Luke 7:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jesu akaenda naʋo. Ɀino aʋa pedyo neimba, mukuru wezana akatuma shamŋari dzake, kuzoti kwaari: Ishe, musaɀitambudza; nokuti handina‐kufanirwa kuti mupinde mumba maŋgu;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akanga asiri kure nomusha pakatumwa shamwari nomukuru wezana kuti dzindoti kwaari, “Ishe, musazvinetsa zvenyu, nokuti handina kukodzera kuti imi mupinde mumba mangu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu akaenda navo. Kuzoti ava padyo neimba iyoyo, mutungamiriri wezana akatuma shamwari kwaari achiti, “Tenzi musazvinetse henyu, nokuti handikodzeri kuti mupinde mumba mangu,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jesu akaenda navo. Zvino ava pedyo neimba, mukuru wezana akatuma shamwari dzake, kuzoti kwaari, “Ishe, musazvitambudza; nokuti handina kufanirwa kuti mupinde mumba mangu;
Shona 2009?
Zvino Jesu akaenda navo. Zvino apo akanga asisiri kure neimba, mukuru wezana akatuma shamwari kwaari, achiti kwaari: Ishe, musazvitambudza henyu; nokuti handina kufanira kuti mupinde pasi pedenga remba yangu;
Shona SUB 2002 Bible
Jesu akaenda navo. Zvino ava pedyo neimba, mukuru wezana akatuma shamwari dzake, kuzoti kwaari, “Ishe, musazvitambudza; nokuti handina kufanirwa kuti mupinde mumba mangu;