Luke 7:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti neni ʋo ndiri munhu wakaiswa pasi paʋamŋe, ndinaʋarwi pasi paŋgu; kana ndikati kunomumŋe: Enda! unoenda; kunomumŋe: Ʋuya! unoʋuya; nokumuranda waŋgu: Ita cici, unoita.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti ini pachangu, ndiri munhu ari pasi pavamwe, uye ndine varwi vari pasi pangu. Ndinoti kuno uyu, ‘Enda,’ uye anoenda, kuno mumwe, ‘Uya’ uye anouya. Ndinoti kumuranda wangu, ‘Ita ichi,’ uye anochiita.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nokuti ndiri munhu ari pasi pavakuru uye ndina masojawo pasi pangu. Ndinoti kune mumwe, ‘Enda,’ achienda, kuno mumwe: ‘Uya,’ achiuya. Kumuranda wangu ndinoti, ‘Ita ichi,’ achichiita.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti neniwo ndiri munhu akaiswa pasi pavamwe, ndinavarwi pasi pangu; kana ndikati kune mumwe, ‘Enda!’ Anoenda; kune mumwe, ‘Uya!’ Anouya; nokumuranda wangu, ‘Ita ichi,’ anoita.”
Shona 2009?
Nokuti nenivo ndiri munhu wakaiswa pasi pamasimba, ndinavarwi pasi pangu; ndinotivo kune uyu: Enda, unoenda; uye kunomumwe: Vuya, unovuya; nokumuranda wangu: Ita chichi, unoita.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti neniwo ndiri munhu akaiswa pasi pavamwe, ndinavarwi pasi pangu; kana ndikati kune mumwe, ‘Enda!’ Anoenda; kune mumwe, ‘Uya!’ Anouya; nokumuranda wangu, ‘Ita ichi,’ anoita.”