Luke 7:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jesu wakati acinzwa iɀoɀo, akashamiswa naye, akatendeʋuka, akati kuʋazhinji ʋakaŋga ʋacimuteʋera: Ndinoti kwamuri: Handina‐kumboʋona kutenda kwakaɗai, kunyaŋge napakati paʋaIsraeri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akati anzwa izvi, akashamiswa kwazvo naye, akatendeukira kuvanhu vazhinji vaimutevera akati, “Ndinoti kwamuri, handina kumboona kutenda kwakadai kunyange muIsraeri.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu paakazvinzwa, akashamiswa naye, akatendeukira kuchita chavanhu chakanga chichimutevera, akati, “Ndinoti kwamuri, kunyange muIsiraeri handisati ndamboona chitendero chakadai.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jesu akati achinzwa izvozvo, akashamiswa naye, akatendeuka, akati kuvazhinji vakanga vachimutevera, “Ndinoti kwamuri, handina kumboona kutenda kwakadai, kunyange napakati pavaIsiraeri.”
Shona 2009?
Jesu wakati anzwa zvinhu izvi, akashamiswa naye, akatendevuka, akati kuchaunga chaimutevera: Ndinoti kwamuri: Handina kumbowana kutenda kukuru kwakadai, kunyange napakati pavaIsraeri.
Shona SUB 2002 Bible
Jesu akati achinzwa izvozvo, akashamiswa naye, akatendeuka, akati kuvazhinji vakanga vachimutevera, “Ndinoti kwamuri, handina kumboona kutenda kwakadai, kunyangwe napakati paVaIsiraeri.”