Luke 8:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akati: Imi makapiwa kuziʋa ɀakaʋanzika ɀoʋushe bgaMŋari; asi ʋamŋe ʋanoɀipiwa nemifananidzo, kuti ʋaciʋona, ʋarege kuʋona; ʋacinzwa, ʋarege kunzwisisa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Iye akati, “Kuziva zvakavanzika zvoumambo hwaMwari kwakapiwa kwamuri, asi kuna vamwe, ndinotaura nomufananidzo kuitira kuti, “ ‘kunyange vachitarira, varege kuona; kunyange vachinzwa, varege kunzwisisa.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
iye akati, “Imi zvenyu makapiwa ruzivo rwezvakavandika zvoumambo hwaMwari asi kuna vamwe inongova mienzaniso kuti kutarisa vatarise zvavo asi vasingaoni, uye kunzwa vanzwe zvavo asi vasinganzwisisi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati, “Imi makapiwa kuziva zvakavanzika zvoushe hwaMwari; asi vamwe vanozvipiwa nemifananidzo, kuti vachiona, varege kuona; vachinzwa, varege kunzwisisa.
Shona 2009?
Iye akati: Kwamuri kwakapiwa kuziva zvakavanzika zvoushe bwaMwari; asi kune vamwe \add zvinozvipiwa\add* mumifananidzo, kuti vachivona varege kuvona; uye vachinzwa varege kunzwisisa.
Shona SUB 2002 Bible
Akati, “Imi makapiwa kuziva zvakavanzika zvoushe hwaMwari; asi vamwe vanozvipiwa nemifananidzo, kuti vachiona, varege kuona; vachinzwa, varege kunzwisisa.