Luke 8:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Dzakawira pakati peminzwa ndiʋo ʋakanzwa; ɀino ʋanoenda, ʋakavuŋgiwa nokufuŋganya nefuma, neɀinofadza ɀoʋupenyu bguno, ʋakasaȿitsa ɀiɓereko.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mbeu yakawira muminzwa yakamirira vaya vanonzwa asi pakufamba kwavo vanovhungwa nokufunganya kwoupenyu, upfumi namafaro, havazosviki pakubereka zvibereko.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dziya dzakawira mukati meminzwa ndivo vaya vanonzwa asi pavanoenda vanovhungwa nokuzvidya mwoyo noupfumi namafaro oupenyu. Zvibereko zvavo hazvisviki.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Dzakawira pakati peminzwa ndivo vakanzwa; zvino vanoenda, vakaungiwa nokufunganya nepfuma, nezvinofadza zvoupenyu huno, vakasasvitsa zvibereko.
Shona 2009?
Neyakawira pakati pemhinzwa, ndivo vanoti kana vanzwa, zvino vanoenda ndokuvhungwa nokufunganya nefuma, nemafaro oupenyu b\add wuno\add*, vakasasvitsa zvibereko.
Shona SUB 2002 Bible
Dzakawira pakati peminzwa ndivo vakanzwa; zvino vanoenda, vakavhungiwa nokufunganya nepfuma, nezvinofadza zvoupenyu huno, vakasasvitsa zvibereko.