Luke 8:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi dzomuvu rakanaka, ndiʋo ʋakanzwa shoko mumŋoyo wakarurama nowakanaka, ʋanoriceŋgeta, ʋaciɓereka ɀiɓereko nokutsuŋgirira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi mbeu yapavhu rakanaka inomirira vaya vane mwoyo yakatendeka uye yakanaka, vanonzwa shoko, vorichengeta, uye nokuda kwokutsungirira kwavo vanobereka zvibereko.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dziya dzakawira muvhu rakanaka, ndivo vaya vanoti kana vanzwa shoko vanoribatisisa zviri pachokwadi nemwoyo wakanaka. Vanobereka zvibereko nokutsungirira.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi dzomuvhu rakanaka, ndivo vakanzwa shoko mumwoyo wakarurama nowakanaka, vanorichengeta, vachibereka zvibereko nokutsungirira.
Shona 2009?
Asi yomuvhu rakanaka, ndivo avo vakati vanzwa shoko, vano\add ri\add*chengeta mumoyo wakarurama nowakanaka, vachibereka zvibereko nokutsungirira.
Shona SUB 2002 Bible
Asi dzomuvhu rakanaka, ndivo vakanzwa shoko mumwoyo wakarurama nowakanaka, vanorichengeta, vachibereka zvibereko nokutsungirira.