Luke 8:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Hakunomunhu, unoti kana atuŋgidza mŋenje, unozoufukidzira nomudziyo, kana kuuisa pasi pomubeda; asi unouisa pacigadziko, kuti ʋanopinda ʋaʋone ciedza.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Hakuna munhu anotungidza mwenje obva auvanza pasi pedengu kana kuuisa pasi pomubhedha. Asi, anouisa pamusoro pechigadziko, kuitira kuti vose vanopinda vavhenekerwe.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hakuna munhu anoti kana atungidza mwenje anoukwidibira nomudziyo kana kuisa pasi pomubhedha asi anotouisa pachidzimikiro chomwenje kuti vanopinda vaone chiedza.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Hakuna munhu, anoti kana atungidza mwenje, anozoufukidzira nomudziyo, kana kuuisa pasi pomubhedha; asi anouisa pachigadziko, kuti vanopinda vaone chiedza.
Shona 2009?
Hakunomunhu, unoti kana atungidza mwenje, unoufukidzira nomudziyo, kana kuisa pasi pomubhedha; asi unogadzika pachigadziko chemwenje, kuti avo vanopinda vavone chiedza.
Shona SUB 2002 Bible
“Hakuna munhu, anoti kana atungidza mwenje, anozoufukidzira nomudziyo, kana kuuisa pasi pomubhedha; asi anouisa pachigadzikiro, kuti vanopinda vaone chiedza.