Luke 8:18 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo, cenjerai mutoʋo wamunonzwa nawo; nokuti unaɀo, ucapiwa; usina, ucatorerwa naiceco ʋo caanoti ndinaco.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Naizvozvo nyatsofungisisai kuti munonzwa sei. Ani naani anazvo achapiwa zvakawanda, ani naani asina, achatorerwa kunyange nezvaanofunga kuti anazvo.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo chenjererai manzwiro amunoita nokuti uyo anazvo achawedzerwa zvimwe uye asina achatorerwa kunyange chaanofunga kuti anacho.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Naizvozvo, chenjerai mutoo wamunonzwa nawo; nokuti anazvo, achapiwa; asina, achatorerwa naichochowo chaanoti ndinacho.
Shona 2009?
Naizvozvo chenjerai, manzwiro amunoita; nokuti aninani unazvo, uchapiwa; uye aninani usina, uchatorerwa kunyange icho chaanoita sounacho.
Shona SUB 2002 Bible
“Naizvozvo, chenjerai mutoo wamunonzwa nawo; nokuti anazvo, achapiwa; asina, achatorerwa naichochowo chaanoti ndinacho.