Luke 8:2 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naʋamŋe ʋakadzi ʋakaŋga ʋaporeswa pamŋeya yakaipa napamarwere, ʋaiti, Maria unonzi Magdarene, iye wakaŋga aɓuɗa mŋeya yakaipa minomŋe kwaari,
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
uye vamwewo vakadzi vakanga vaporeswa pazvirwere nemweya yakaipa vaiti: Maria (ainzi Magadharina) uya akanga abudiswa mweya yakaipa, minomwe maari,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
pamwechete namamwe madzimai akanga aponeswa kumweya yakaipa nokuzvirwere. Paiti Maria ainzi Magadharena akabviswa mweya yakaipa minomwe
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Navamwe vakadzi vakanga vaporeswa pamweya yakaipa napazvirwere, vaiti, Maria anonzi Magadharina, iye akanga abuda mweya yakaipa minomwe kwaari,
Shona 2009?
Navamwe vakadzi vakanga vaporeswa pamweya yakaipa novurwere, Maria unonzi Magidharini, \add iye\add* wakanga abuda mweya yakaipa minomwe maari,
Shona SUB 2002 Bible
Navamwe vakadzi vakanga vaporeswa pamweya yakaipa napazvirwere, vaiti, Maria anonzi Magadharina, iye akanga abuda mweya yakaipa minomwe kwaari,