Luke 8:24 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakaʋuya kwaari, ʋakamumutsa, ʋaciti: Tenzi! Tenzi! tofa! Ipapo akamuka, akaraira mhepo namafuŋgu emvura; ɀikaguma, kukadzikama.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vadzidzi vakaenda vakandomumutsa vachiti, “Tenzi, Tenzi, tava kunyura!” Ipapo akamuka akarayira mhepo namafungu emvura zhinji, dutu rikaserera, uye kukadzikama kwazvo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakaenda vakandomumutsa vachiti, “Tenzi, Tenzi tava kuparara.” Akamuka akatsiura mhepo namasaisai namafungu anotyisa. Zvakabva zvaganhuka kukabva kwati dzika — dzika.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakauya kwaari, vakamumutsa, vachiti, “Tenzi! Tenzi! Tofa!” Ipapo akamuka, akarayira mhepo namafungu emvura; zvikaguma, kukadzikama.
Shona 2009?
Vakaswedera kwaari vakamumutsa, vachiti: Tenzi, tenzi, Toparara! Ipapo akamuka, akatsiura mhepo namafungu emvura; zvikaguma, kukava nekudzikama.
Shona SUB 2002 Bible
Vakauya kwaari, vakamumutsa, vachiti, “Tenzi! Tenzi! Tofa!” Ipapo akamuka, akarayira mhepo namafungu emvura; zvikaguma, kukadzikama.