Luke 8:25 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino akati kwaʋari: Kutenda kwenyu kuripiko? Ʋakatya nokushamiswa, ʋakataurirana, ʋaciti: Ndianiko uyu, ɀaanoraira kunyaŋge nemhepo nemvura, ɀicimuterera?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akabvunza vadzidzi vake akati, “Kutenda kwenyu kuripiko?” Mukutya kwavo uye nokushamiswa kwavo, vakabvunzana pakati pavo vachiti, “Ndianiko uyu? Anorayira kunyange mhepo nemvura zvichimuteerera.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akavati, “Chitendero chenyu chiripi?” Vakabva vava kutya uye vakakatyamadzwa. Vakataurirana vachiti, “Ko uyu ndiani uyu anotoudza kunyange mhepo nemvura zvichimuteerera.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino akati kwavari, “Kutenda kwenyu kuripiko?” Vakatya nokushamiswa, vakataurirana, vachiti, “Ndianiko uyu, zvaanoraira kunyange nemhepo nemvura, zvichimuteerera?”
Shona 2009?
Zvino akati kwavari: Kutenda kwenyu kuripiko? Asi ivo vakatya vakashamiswa, vakataurirana vachiti: Munhu rudziiko uyu, nokuti unoraira kunyange nemhepo nemvura, zvichimuteerera?
Shona SUB 2002 Bible
Zvino akati kwavari, “Kutenda kwenyu kuripiko?” Vakatya nokushamiswa, vakataurirana, vachiti, “Ndianiko uyu, zvaanoraira kunyangwe nemhepo nemvura, zvichimuteerera?”