Luke 8:28 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino iye wakati aciʋona Jesu, akaɗanidzira, ndokuɀiwisira pamberi pake, akati nenzwi guru: Ndinemhaka yeiko nemi Jesu, Mŋanakomana woWokumsoro‐soro? Ndinokumbira kwamuri kuti musanditambudza.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akati aona Jesu, akadanidzira uye akawira pamakumbo ake, akati nenzwi guru, “Munodeiko kwandiri, Jesu, Mwanakomana waMwari Wokumusoro-soro? Ndinokukumbirisai, regai kunditambudza!”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Paakaona Jesu akazhamba akawira pasi pamberi pake ndokudaidzira achiti, “Unei neni Jesu, Mwanakomana waMwari Wokumusorosoro? Ndinokukumbirisa zvangu kuti usandirwadzise.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino iye akati achiona Jesu, akadanidzira, ndokuzviwisira pamberi pake, akati nezwi guru, “Ndine mhaka yeiko nemi Jesu, Mwanakomana woWokumusoro-soro? Ndinokumbira kwamuri kuti musanditambudza.”
Shona 2009?
Wakati achivona Jesu, akadanidzira ndokuwira pasi pamberi pake, akati nenzwi guru: Ndineiko nemwi, Jesu, Mwanakomana waMwari Wokumusoro-soro? Ndinokukumbirai, musanditambudza.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino iye akati achiona Jesu, akadanidzira, ndokuzviwisira pamberi pake, akati nezwi guru, “Ndine mhaka yeiko nemi Jesu, Mwanakomana woWokumusoro–soro? Ndinokumbira kwamuri kuti musanditambudza.”