Luke 8:29 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti wakaraira mŋeya wetȿina kuti uɓuɗe kumunhu. Nokuti kazhinji wakaŋga waɓatwa nawo; akasuŋgwa neɀisuŋgo namaketani akarindiwa; akaɗambura ɀisuŋgo, akadziŋgirwa kumarenje nomŋeya wakaipa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti Jesu akanga arayira mweya wakaipa kuti ubude maari. Kazhinji waimubata, uye kunyange akange akasungwa nengetani mumaoko nomumakumbo uye akarindwa, aidambura ngetani uye oendeswa nedhimoni kurenje.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chikonzero ndechokuti Jesu akanga ati mweya wetsvina ubude mumunhu iyeyo nokuti kazhinji mweya wakaipa waimugara. Aigara akatochengetedzwa akasungwa nengetani namajoti asi aidambura zvisungo izvozvo achitinhirwa kurenje nomweya wakaipa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti akarayira mweya wahan'ora kuti ubude kumunhu. Nokuti kazhinji akanga abatwa nawo; akasungwa nezvisungo nengetani akarindiwa; akadambura zvisungo, akadzingirwa kumarenje nomweya wakaipa.
Shona 2009?
Nokuti wakanga araira mweya wetsvina kuti ubude kumunhu; nokuti kazhinji wakanga wamubata uye waikachengetwa akasungwa namaketani nezvisungo; akadambura zvisungo, achitinhirwa kumarenje nomweya wakaipa.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti akarayira mweya wakan'ora kuti ubude kumunhu. Nokuti kazhinji akanga abatwa nawo; akasungwa nezvisungo nengetani akarindiwa; akadambura zvisungo, akadzingirwa kumarenje nomweya wakaipa.