Luke 8:32 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino kwakaŋga kuri’po ɓoka guru reŋguruʋe zhinji, raifura mugomo; ikakumbira ɀikuru kwaari, kuti aitendere kupinda madziri; akaitendera.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pakanga pane boka guru renguruve raifura mujinga mechikomo. Madhimoni akakumbirisa Jesu kuti aabvumire kupinda madziri, akaatendera.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino ipapo paiva nedanga renguruve dzakawanda dzaifura zvadzo mujinga megomo. Yakamukumbira kuti ipinde madziri. Akaibvumidza.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino kwakanga kuripo boka guru renguruve zhinji, raifura mugomo; ikakumbira zvikuru kwaari, kuti aitendere kupinda madziri; akaitendera.
Shona 2009?
Zvino kwakanga kuripo boka renguruve zhinji raifura mugomo; ikamukumbirisa kuti aitendere kupinda madziri. Akaitendera.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino kwakanga kuripo boka guru renguruve zhinji, raifura mugomo; ikakumbira zvikuru kwaari, kuti aitendere kupinda madziri; akaitendera.