Luke 8:35 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakaɓuɗa kundoʋona ɀaitwa; ʋakasika kunaJesu, ʋakandowana munhu, makaŋga maɓuɗa mŋeya yakaipa maari, agere patsoka dzaJesu, apfeka, aʋa munhu kwaye; ʋakatya.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
uye vanhu vakabuda kunoona zvakanga zvaitika. Vakati vasvika kuna Jesu vakawana munhu akanga abuda madhimoni maari, agere pamakumbo aJesu, apfeka uye ava munhu kwaye, vakatya.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vanhu vakabuda kundoona zvakanga zvaitika. Vakauya kuna Jesu vakawana munhu uya makanga mabuda mweya yakaipa, akagara pasi patsoka dzaJesu akatopfekawo uye pfungwa dzake dzava pamwechete. Vakatya.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakabuda kundoona zvaitwa; vakasvika kuna Jesu, vakandoona munhu, makanga mabuda mweya yakaipa maari, agere patsoka dzaJesu, apfeka, ava munhu kwaye; vakatya.
Shona 2009?
Zvino vakabuda kundovona zvaitika; vakasvika kunaJesu, vakawana munhu, wakanga abuda mweya yakaipa maari agere patsoka dzaJesu, akapfeka uye ari munhu kwaye; vakatya.
Shona SUB 2002 Bible
Vakabuda kundoona zvaitwa; vakasvika kuna Jesu, vakandoona munhu, makanga mabuda mweya yakaipa maari, agere patsoka dzaJesu, apfeka, ava munhu kwaye; vakatya.