Luke 8:36 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakaŋga ʋaɀiʋona ʋakaʋaʋudza mutoʋo waakaporeswa nawo, iye waiʋa nemŋeya yakaipa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vaya vakanga vazviona vakaudza vanhu kuti munhu akanga ane dhimoni ainge aporeswa sei.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Avo vakanga vazviona vakavataurira kuti uya akanga akagarwa nemweya yakaipa akaporeswa sei.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakanga vazviona vakavaudza mutoo waakaporeswa nawo, iye waiva nemweya yakaipa.
Shona 2009?
Ivovo vakanga va\add zvi\add*vonavo vakavavudza mutovo waakaporeswa nawo, iye waiva nemweya yakaipa.
Shona SUB 2002 Bible
Vakanga vazviona vakavaudza mutoo waakaporeswa nawo, iye waiva nemweya yakaipa.