Luke 8:37 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋanhu ʋose ʋenyika yakapoteredza yaʋaGerasa ʋakakumbira kwaari kuti abve kwaʋari, nokuti ʋakaŋga ʋaɓatwa nokutya kukuru. Akapinda mugwa, akadzoka.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo vanhu vose vomunyika yeGerasa vakakumbira Jesu kuti abve kwavari, nokuti vakanga vabatwa nokutya. Saka akapinda mugwa akaenda.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino vanhu vose vemunharaunda yenyika yeGerasini vakamukumbira kuti abve zvake kwavari nokuti vakabatwa nokutya kukuru. Nokudaro Jesu akapinda mugwa ndokubva adzokera.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vanhu vose venyika yakapoteredza yavaGerasa vakakumbira kwaari kuti abve kwavari, nokuti vakanga vabatwa nokutya kukuru. Akapinda muigwa, akadzoka.
Shona 2009?
Zvino chaunga chose chedunhu rakapoteredza vaGadharini chakakumbira kwaari kuti abve kwavari, nokuti vabatwa nokutya kukuru; akapinda muchikepe, akadzokerazve.
Shona SUB 2002 Bible
Vanhu vose venyika yakapoteredza yavaGerasa vakakumbira kwaari kuti abve kwavari, nokuti vakanga vabatwa nokutya kukuru. Akapinda muigwa, akadzoka.