Luke 8:39 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Dzokera kumba kwako, undotaura ɀinhu ɀikuru ɀawaitirwa naMŋari. Akaenda, akandoparidza muguta rose ɀinhu ɀikuru ɀaakaitirwa naJesu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Dzokera kumba kwako undotaura kuti Mwari akuitira zvinhu zvakadaro sei.” Saka munhu uyu akaenda akandotaura muguta rose zvinhu zvikuru zvaakanga aitirwa naJesu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Dzokera kumusha kwako undorondedzera kuti Mwari akakuitira zvakadii.” Nokudaro akaenda achiparidza nomuguta rose kuti Jesu akanga amuitira zvakadii.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Dzokera kumba kwako, undotaura zvinhu zvikuru zvawaitirwa naMwari.” Akaenda, akandoparidza muguta rose zvinhu zvikuru zvaakaitirwa naJesu.
Shona 2009?
Dzokera kumba kwako, undotaura kukura kwezvinhu zvaitwa naMwari kwauri. Akaenda, akandoparidza muguta rose kuti zvikuru sei Jesu zvaakamuitira.
Shona SUB 2002 Bible
“Dzokera kumba kwako, undotaura zvinhu zvikuru zvawaitirwa naMwari.” Akaenda, akandoparidza muguta rose zvinhu zvikuru zvaakaitirwa naJesu.