Luke 8:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋanhu ʋazhinji‐zhinji ʋakati ʋaʋuŋgana, naʋakaŋga ʋabva kumaguta ose ʋaȿika kwaari, akataura nomufananidzo, akati:
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ungano huru yakati yakaungana uye vanhu vakanga vachibva kumaguta namaguta vakauya kuna Jesu, ipapo akavataurira mufananidzo uyu:
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pakati paunganwa nechita chikuru chavanhu vachibva muguta neguta vachiuya kwaari, akavataurira nomuenzaniso uyu achiti:
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vanhu vazhinji-zhinji vakati vaungana, navakanga vabva kumaguta ose vakasvika kwaari, akataura nomufananidzo, akati,
Shona 2009?
Zvino chaunga chikuru chakati chavungana, vaibva kumaguta ose vachiuya kwaari, akataura nomufananidzo \add Akati\add*:
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vanhu vazhinji zhinji vakati vaungana, navakanga vabva kumaguta ose vakasvika kwaari, akataura nomufananidzo, akati,