Luke 8:43 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo mumŋe mukadzi, waiʋa nokurwara kwokuɓuɗa ropa makore anegumi namaʋiri, wakaŋga apedzera paŋaŋga ɀose ɀaairarama naɀo, asiŋgaporeswi neimŋe,
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye paiva nomumwe mukadzi aiva nechirwere chokubuda ropa kwamakore gumi namaviri, asi kusina munhu aigona kumuporesa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mumwe mukadzi aiva nechirwere chebaro kwamakore gumi namaviri, akanga apedzera zvose zvaimuraramisa kun'anga asi hapana akakwanisa kumurapa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo mumwe mukadzi, aiva nokurwara kwokubuda ropa makore ane gumi namaviri, akanga apedzera pan'anga zvose zvaairarama nazvo, asingaporeswi neimwe,
Shona 2009?
Ipapo mumwe mukadzi, waibuda ropa makore anegumi namaviri, wakanga apedzera zvose zvoupenyu bwake kuvarapi, asingarapwi kunyange nemumwe.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo mumwe mukadzi, aiva nokurwara kwokubuda ropa makore ane gumi namaviri, akanga apedzera pan'anga zvose zvaairarama nazvo, asingaporeswi neimwe,