Luke 8:47 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mukadzi wakati aciʋona kuti haana‐kuʋanzika, akaʋuya, aciɗeɗera, akaɀiwisira pasi pamberi pake, akamuʋudza pamberi paʋose kuti wakaŋga amuɓata nemhaka yei, ʋuye kuti wakaporeswa pakarepo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo mukadzi, akati aona kuti haangavandi, akauya achidedera uye akasvikowira patsoka dzake. Akamuudza kuti sei akanga amubata pamberi pavanhu vose, uye kuti akanga apora sei pakarepo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mukadzi uya paakaona kuti haana kuvandika, akauya achidedera akawira pasi pamberi pake akadura pachena pamberi pavanhuvose, kuti akanga amubatirei, uye kuti akabva aporeswa sei, pakare pakarepo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mukadzi akati achiona kuti haana kuvanzika, akauya, achidedera, akazviwisira pasi pamberi pake, akamuudza pamberi pavose kuti akanga amubata nemhaka yei, uye kuti akaporeswa pakarepo.
Shona 2009?
Zvino mukadzi wakati achivona kuti haana kuvanzika, akavuya, achibvunda, akawira pasi pamberi pake, akapupura kwaari pamberi pavose kuti wakanga amubata nemhaka yei, uye kuti wakaporeswa pakarepo sei.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mukadzi akati achiona kuti haana kuvanzika, akauya, achidedera, akazviwisira pasi pamberi pake, akamuudza pamberi pavose kuti akanga amubata nemhaka yei, uye kuti akaporeswa pakarepo.