Luke 8:49 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Wakati acataura, mumŋe akaȿika, acibva kumba kwomukuru wesinagoge, akati kwaari: Mukunda wenyu wafa; regai henyu kutambudza Mudzidzisi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu achiri kutaura, mumwe aibva kumba kwaJairosi, mubati wesinagoge, akasvika akati, “Mwanasikana wenyu afa. Chiregai henyu kuramba muchinetsa mudzidzisi.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Paakanga achiri kutaura mumwe munhu akabva kumba kwomutungamiriri uya, akauya achiti, “Mwanasikana wenyu atofa chiregai kunge muchanetsa zvenyu mudzidzisi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati achataura, mumwe akasvika, achibva kumba kwomukuru wesinagoge, akati kwaari, “Mukunda wenyu afa; regai henyu kutambudza Mudzidzisi.”
Shona 2009?
Wakati achataura, kwakavuya vamwe, vachibva \add kumba\add* komukuru wesinagoge, achiti kwaari: Mukunda wenyu wafa; regai henyu kutambudza Mudzidzisi.
Shona SUB 2002 Bible
Akati achataura, mumwe akasvika, achibva kumba kwomukuru wesinagoge, akati kwaari, “Mukunda wenyu afa; regai henyu kutambudza Mudzidzisi.”