Luke 8:51 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino wakati aȿika kumba, akasatendera munhu kupinda naye, asi Petro, naJohane, naJakobo, naɓaɓa ʋomusikana, namai.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akati asvika kumba kwaJairosi, haana kutendera ani zvake kuti apinde naye kunze kwaPetro, Johani naJakobho, uye baba namai vomwana.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pavakasvika pamba hapana waakabvumira kupinda naye kusiya Pita naJemusi naJohani naBaba naamai vomwana iyeyo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino akati asvika kumba, akasatendera munhu kupinda naye, asi Petirosi, naJohani, naJakobho, nababa vomusikana, namai.
Shona 2009?
Zvino wakati apinda mumba, akasatendera munhu kupinda, kunze kwaPetro, naJohwani, naJakobho, nababa vomusikana, namai.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino akati asvika kumba, akasatendera munhu kupinda naye, asi Petirosi, naJohani, naJakobho, nababa vomusikana, namai.