Luke 8:52 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋose ʋakaŋga ʋacicema, ʋacimuririra. Iye akati: Musacema, haana‐kufa, asi uʋete.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Panguva iyi, vanhu vose vainge vachiungudza uye vachimuchema. Jesu akati, “Nyararai kuchema. Haana kufa asi avete.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vose vakanga vachimuungudza vachimuchema asi iye akati, “Musachema nokuti haana kufa, akakotsira.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vose vakanga vachichema, vachimuungudza. Iye akati, “Musachema, haana kufa, asi avete.”
Shona 2009?
Uye vose vakachichema, vachimuungudzira. asi wakati: Musachema, haana kufa, asi uvete.
Shona SUB 2002 Bible
Vose vakanga vachichema, vachimuungudza. Iye akati, “Musachema, haana kufa, asi avete.”