Luke 8:56 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋaɓereki ʋake ʋakashamiswa, asi wakaʋaraira kuti ʋarege kuʋudza munhu ɀakaitwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vabereki vake vakashamiswa, asi akavarayira kuti vasaudze munhu zvakanga zvaitika.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vabereki vake vakashamiswa zvikuru asi akavakohomedza kuti vasawane wavanotaurira zvakanga zvaitika.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vabereki vake vakashamiswa, asi akavarayira kuti varege kuudza munhu zvakaitwa.
Shona 2009?
Zvino vabereki vake vakashamiswa, asi wakavaraira kuti varege kuvudza munhu zvakaitika.
Shona SUB 2002 Bible
Vabereki vake vakashamiswa, asi akavaraira kuti varege kuudza munhu zvakaitwa.