Luke 8:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Dzimŋe dzakawira paruware; dzikamera, dzikawoma, nokushaiwa mŋando.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Imwe yakawira parukangarahwe, uye payakamera, yakasvava nokuti pakanga pasina unyoro.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dzimwe dzakawira parukangarahwe, asi padzakamera dzakaoma nokuti dzakanga dzisina unyoro.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Dzimwe dzakawira paruware; dzikamera, dzikaoma, nokushayiwa mwando.
Shona 2009?
Imwe ikawira paruware; zvino ichangomera, ikawoma, nokushaiwa vunyoro.
Shona SUB 2002 Bible
Dzimwe dzakawira paruware; dzikamera, dzikaoma, nokushayiwa mwando.