Luke 9:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋaapostora ʋakati ʋadzoka, ʋakamurondedzera ɀose ɀaʋakaŋga ʋaita; akaʋatora, akaenda naʋo ʋari ʋoga kuguta rainzi Betsaida.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vapostori vakati vadzoka, vakarondedzera kuna Jesu zvavakanga vaita. Ipapo akavatora vakabva muchivande vakaenda kuguta rainzi Bhetisaidha,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vapositori pavakadzoka vakamurondedzera zvavakanga vaita. Akavatora akaenda navo kwavo voga kuguta rinonzi Bhetisaidha.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vapositori vakati vadzoka, vakamurondedzera zvose zvavakanga vaita; akavatora, akaenda navo vari voga kuguta rainzi Bhetisaidha.
Shona 2009?
Zvino Vapositora vakati vadzoka, vakamurondedzera zvose zvavakanga vaita; akavatora, akaenda navo pachivande kunzvimbo yerenje reguta rinonzi Bhetisaidha.
Shona SUB 2002 Bible
Vapostori vakati vadzoka, vakamurondedzera zvose zvavakanga vaita; akavatora, akaenda navo vari voga kuguta rainzi Bhetisaidha.