Luke 9:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Zuʋa rakatiroʋira, ʋanegumi naʋaʋiri ʋakaʋuya, ʋakati kwaari: Endisai ʋanhu ʋazhinji, ʋaende kumisha nokuruwa rwakapoteredza, ʋagare’ko, ʋawane ɀokudya; nokuti pano tiri murenje.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zuva rovira, vane Gumi Navaviri vakauya kwaari vakati, “Endesai vanhu vazhinji ava kuitira kuti vaende kumisha nokumaruwa akapoteredza kuti vandozvitsvakira zvokudya nepokurara, nokuti tiri musango muno.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zuva parakanga rodeuka vane gumi navaviri vakauya vakati kwaari, “Dai machiendesa vanhu mumamisha nomuruwa ruri munharaunda ino kuti vandorara nokuwana zvokudya nokuti matiri muno murenje.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zuva rakati rovira, vane gumi navaviri vakauya, vakati kwaari, “Endesai vanhu vazhinji, vaende kumisha nokuruwa rwakapoteredza, vagareko, vawane zvokudya; nokuti pano tiri murenje.”
Shona 2009?
Zuva raiva rovira; vanegumi navaviri vakavuya vakati kwaari: Endisai chaunga, kuti chiende kumisha nokuruwa rwakapoteredza, chigareko, chiwane zvokudya; nokuti pano patiri panzvimbo yerenje.
Shona SUB 2002 Bible
Zuva rakati rovira, vane gumi navaviri vakauya, vakati kwaari, “Endesai vanhu vazhinji, vaende kumisha nokuruwa rwakapoteredza, vagareko, vawane zvokudya; nokuti pano tiri murenje.”