Luke 9:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi iye akati kwaʋari: Muʋapei imi, ʋadye. Ʋakati: Isu hatineɀiŋgwa ɀiŋgapfuʋura ɀishanu, nehoʋe mbiri, asi kana tikaenda kundoteŋgera ʋanhu aʋa ʋose ɀokudya.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akavapindura akati, “Vapei imi zvokudya.” Ivo vakati, “Tinongova nezvingwa zvishanu nehove mbiri, kunze kwokunge tandotenga zvokudya zvavanhu vazhinji vose ava.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi iye akati kwavari, “Vapei iyemi zvokudya.” Ivowo vakati tinongova nezvingwa zvishanu nehove mbiri chete kunze kokunge tatondotengera vanhu ava vose chokudya.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi iye akati kwavari, “Muvape imi, vadye.” Vakati, “Isu hatine nezvingwa zvingapfuura zvishanu, nehove mbiri, asi kana tikaenda kundotengera vanhu vose zvokudya.”
Shona 2009?
Asi iye wakati kwavari: Vapei imwi kuti vadye. Ivo vakati: Isu hatina zvingapfuvura zvingwa zvishanu, nehove mbiri, kunze kokuti taenda kundotengera vanhu ava vose zvokudya.
Shona SUB 2002 Bible
Asi iye akati kwavari, “Muvape imi, vadye.” Vakati, “Isu hatine nezvingwa zvingapfuura zvishanu, nehove mbiri, asi kana tikaenda kundotengera vanhu vose zvokudya.”