Luke 9:14 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti ʋaiʋa ʋarume ʋaneŋge ɀuru ɀishanu. Akati kuʋadzidzi ʋake: Ʋagarisei pasi ʋaite mapoka, anaʋanhu ʋaneŋge makumi mashanu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti pakanga pane varume vangasvika zviuru zvishanu. Asi iye akati kuvadzidzi vake, “Vagarisei pasi vari mumapoka avanhu vangasvika makumi mashanu paboka rimwe nerimwe.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Izvozvo pakanga paine varume vainge zviuru zvishanu. Jesu akati kuvadzidzi vake, “Itai kuti vanhu vagare pasi muzvikwata zvavanhu vanenge makumi mashanu pachikwata choga choga.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti vaiva varume vanenge zviuru zvishanu. Akati kuvadzidzi vake, “Vagarisei pasi vaite mapoka, anavanhu vanenge makumi mashanu”
Shona 2009?
Nokuti vaiva varume vanenge zvuru zvishanu. Akati kuvadzidzi vake: Vagarisei pasi mumapoka, makumi mashanu \add paboka\add* roga roga.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti vaiva varume vanenge zviuru zvishanu. Akati kuvadzidzi vake, “Vagarisei pasi vaite mapoka, ana vanhu vanenge makumi mashanu.”