Luke 9:22 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
aciti: Mŋanakomana womunhu unofanira kutambudzika ɀizhinji, nokurashwa naʋakuru naʋaprista ʋakuru naʋanyori, nokuʋurawa, nokumutswa nezuʋa retatu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akatizve, “Mwanakomana woMunhu anofanira kutambudzika pazvinhu zvizhinji agorambwa navakuru, vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro, uye anofanira kuurayiwa agomuka pazuva retatu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Mwanakomana womunhu anofanira kutambudzika zvikuru agorambwa navakuru vakuru navaPristi vakuru nenyanzvi dzomutemo ozouraiwa achizomutswa nezuva retatu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
achiti, “Mwanakomana womunhu anofanira kutambudzika zvizhinji, nokuraswa navakuru navapristi vakuru navanyori, nokuurawa, nokumutswa nezuva retatu.”
Shona 2009?
achiti: Mwanakomana womunhu unofanira kutambudzika zvinhu zvizhinji, nokurambwa navakuru navaprista vakuru navanyori, nokuvurawa, nokumutswa zuva retatu.
Shona SUB 2002 Bible
achiti, “Mwanakomana womunhu anofanira kutambudzika zvizhinji, nokuraswa navakuru navapristi vakuru navanyori, nokuurayiwa, nokumutswa nezuva retatu.”