Luke 9:23 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino wakati kunaʋose: Kana munhu aciɗa kuʋuya shure kwaŋgu, ŋgaaɀirambe, asimudze mucinjikwa wake zuʋa rimŋe nerimŋe, anditeʋere.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo akati kwavari vose, “Kana munhu achida kunditevera, anofanira kuzviramba atore muchinjikwa wake zuva rimwe nerimwe agonditevera.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu akati kuna vose, “Kana munhu achida kunditevera, ngaazvirambe atakure muchinjikwa wake zuva nezuva achinditevera.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino akati kuna vose, “Kana munhu achida kuuya shure kwangu, ngaazvirambe, atakure muchinjikwa wake zuva rimwe nerimwe, anditevere.
Shona 2009?
Zvino wakati kuna vose: Kana munhu achida kutevera shure kwangu, ngaazvirambe, atakure muchinjikwa wake zuva rimwe nerimwe, anditevere.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino akati kuna vose, “Kana munhu achida kuuya shure kwangu, ngaazvirambe, atakure muchinjikwa wake zuva rimwe nerimwe, anditevere.