Luke 9:28 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mashoko iwayo akati apera kutaurwa mazuʋa aneŋge masere, akatora Petro naJohane naJakobo, akakwira mugomo kundonyeŋgetera.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mazuva angasvika masere akati apera, shure kwokunge Jesu ataura izvozvo, akatora Petro naJohani naJakobho pamwe chete naye akakwira mugomo kundonyengetera.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mushure memazuva masere Jesu ataura izvi, akatora Pita naJohani naJemusi vakakwira mugomo kundonamata.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mashoko iwayo akati apera kutaurwa mazuva anenge masere, akatora Petirosi naJohani naJakobho, akakwira mugomo kundonyengetera.
Shona 2009?
Zvino zvakaitika mazuva anenge masere mushure mamashoko awa, kuti wakatora Petro naJohwani naJakobho, akakwira mugomo kundonyengetera.
Shona SUB 2002 Bible
Mashoko iwayo akati apera kutaurwa mazuva anenge masere, akatora Petirosi naJohani naJakobho, akakwira mugomo kundonyengetera.