Luke 9:32 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Petro, naʋaiʋa naye, ʋakaŋga ʋaɓatwa nehope; asi ʋakati ʋacipepuka, ʋakaʋona kubginya kwake, naʋarume ʋaʋiri ʋamire naye.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Petro navaaiva navo vakanga vava kubatwa nehope, asi vakati vanyatsomuka, vakaona kubwinya kwake uye varume vaviri vamire naye.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino Pita navamwe vaaiva navo vakanga vabatwa kwazvo nehope. Pavakati pepu vakaona kupenya kwake navaviri vaya vamire naye.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Petirosi, navaiva naye, vakanga vabatwa nehope; asi vakati vachipepuka, vakaona kubwinya kwake, navarume vaviri vamire naye.
Shona 2009?
Asi Petro naivo vaiva naye vakanga varemerwa nehope; asi vakati vapepuka, vakavona kubwinya kwake, navarume vaviri vaiva vakamira naye.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Petirosi, navaiva naye, vakanga vabatwa nehope; asi vakati vachipepuka, vakaona kubwinya kwake, navarume vaviri vamire naye.