Luke 9:33 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋakati ʋoparadzana naye, Petro akati kunaJesu: Tenzi, ɀakanaka ɀatiri pano; ŋgatiʋake matumba matatu, rimŋe renyu, rimŋe raMosesi, rimŋe raEria, asiŋgaziʋi ɀaanoreʋa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Varume ava vakati vobva pana Jesu, Petro akati kwaari, “Tenzi, zvakanaka kuti isu tigare pano. Ngativakei matumba matatu, rimwe renyu, rimwe raMozisi uye rimwe raEria.” Akanga asingazivi zvaaireva.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Varume vaya pavakanga vavakuparadzana naye, Pita akati kuna Jesu, “Tenzi, zvatinakira kuti tive pano. Regai tiite matumba matatu rimwe renyu, rimwe raMosesi nerimwe raEriya.” Akanga asingachazivi zvaaitaura.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vakati voparadzana naye, Petirosi akati kuna Jesu, “Tenzi, zvakanaka, zvatiri pano; ngativake matumba matatu, rimwe renyu, rimwe raMosesi, rimwe raEria, asingazivi zvaanoreva.”
Shona 2009?
Zvino zvakaitika apo vobva paari, Petro akati kunaJesu: Tenzi, zvakanaka kuti tive pano; zvino ngativake matumba matatu, rimwe renyu, nerimwe raMozisi, nerimwe raEria, asingazivi zvaanoreva.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vakati voparadzana naye, Petirosi akati kuna Jesu, “Tenzi, zvakanaka, zvatiri pano; ngativake matumba matatu, rimwe renyu, rimwe raMosesi, rimwe raEriya, asingazivi zvaanoreva.”