Luke 9:36 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Inzwi rakati raenda, Jesu akaʋonekwa ari oga. Ʋakanyarara, ʋakasaʋudza munhu namazuʋa iwayo cinhu cimŋe caʋakaŋga ʋaʋona.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Inzwi rakati rataura izvozvo, vakaona Jesu ava oga. Vadzidzi vakanyarara, vakasaudza munhu zvavakanga vaona panguva iyoyo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Izwi riya parakanga rapedza kutaura, Jesu akazongoonekwa ava oga. Vakazvinyarara, hapana wavakataurira pamazuva iwayo pane zvavakanga vaona.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Izwi rakati raenda, Jesu akaonekwa ari oga. Vakanyarara, vakasaudza munhu namazuva iwayo chinhu chimwe chavakanga vaona.
Shona 2009?
Zvino inzwi rakati raenda, Jesu akavonekwa ari oga. Asi vakanyarara, vakasavudza munhu namazuva iwayo chinhu chimwe nechimwe chavakanga vavona.
Shona SUB 2002 Bible
Izwi rakati raenda, Jesu akaonekwa ari oga. Vakanyarara, vakasaudza munhu namazuva iwayo chinhu chimwe chavakanga vaona.