Luke 9:38 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mumŋe murume pakati paʋazhinji wakaɗana, akati: Mudzidzisi, ndinokumbira kwamuri kuti mutarire mŋanakomana waŋgu, nokuti ndiye mŋana waŋgu mumŋe woga.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mumwe murume akanga ari pakati pavanhu vazhinji akadanidzira achiti, “Mudzidzisi, ndokukumbirai kuti muonewo mwanakomana wangu, nokuti ndiye oga mwana wangu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hoyo mumwe murume akadaidzira mugungano iroro achiti, “Mudzidzisi ndapota ndionereiwo mwanakomana wangu anongova ndiye mwana wangu mumwechete oga.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mumwe murume pakati pavazhinji akadana, akati, “Mudzidzisi, ndinokumbira kwamuri kuti mutarire mwanakomana wangu, nokuti ndiye mwana wangu mumwe woga.
Shona 2009?
Zvino tarira, mumwe murume pakati pechaunga wakadanidzira, achiti: Mudzidzisi, ndinokukumbirai, tarirai mwanakomana wangu nokuti ndiye mwanakomana wangu woga,
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mumwe murume pakati pavazhinji akadana, akati, “Mudzidzisi, ndinokumbira kwamuri kuti mutarire mwanakomana wangu, nokuti ndiye mwana wangu mumwe woga.