Luke 9:41 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jesu akapindura, akati: Haiwa! rudzi rusiŋgatendi, rwakatsauka; ndicagara nemi kuȿikira riniko, nokukuitirai mŋoyo murefu? Ʋuya pano nomŋanakomana wako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akapindura akati, “Haiwa rudzi rusingatendi, rwakatsauka, ndichagara nemi kusvikira riniko ndichikuitirai mwoyo murefu? Uyai pano nomwanakomana wenyu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu akapindura achiti, “Aiwaiwa rudzi urwu, rudzi rusingatendi! Rudzi rwakarasika zvarwo, ndichava nemi kusvikira rinhiko ndichikuitirai mwoyo murefu? Chiuyai nomwana wenyu kuno.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jesu akapindura, akati, “Haiwa! Rudzi rusingatendi, rwakatsauka; ndichagara nemi kusvikira riniko, nokukuitirai mwoyo murefu? Uya pano nomwanakomana wako.”
Shona 2009?
Jesu achipindura, akati: Haiwa! Rudzi rusina kutenda rwakatsauka, ndichava nemwi kusvikira rinhiko, ndichikuitirai moyo murefu? Vuyisa mwanakomana wako pano.
Shona SUB 2002 Bible
Jesu akapindura, akati, “Haiwa! Rudzi rusingatendi, rwakatsauka; ndichagara nemi kusvikira rinhiko, nokukuitirai mwoyo murefu? Uya pano nomwanakomana wako.”