Luke 9:42 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akati acaʋuya, mŋeya wakaipa ukamuwisira pasi, ukamubvundisa ɀikuru. Asi Jesu wakaraira mŋeya wetȿina, akaporesa mŋana, akamudzosera kunaɓaɓa ʋake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kunyange pakanga pachiuya mukomana, dhimoni rakamuwisira pasi rikamubvundisa. Asi akarayira mweya wakaipa, akaporesa mukomana ndokubva amudzosera kuna baba vake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Paakanga achiuya, mweya wakaipa wakamurigira pasi ukamupfurupfutisa. Jesu akatsiura mweya wetsvina akaporesa mukomana uya akamupa kuna baba vake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati achauya, mweya wakaipa ukamuwisira pasi, ukamubvundisa zvikuru. Asi Jesu wakarayira mweya wakaipa, akaporesa mwana, akamudzosera kuna baba vake.
Shona 2009?
Zvino wakati achavuya, mweya wakaipa ukamudambura, ukamugwinhisa zvikuru; Asi Jesu wakatsiura mweya wetsvina, akaporesa mwana, akamukumikidza zvakare kunaBaba vake.
Shona SUB 2002 Bible
Akati achauya, mweya wakaipa ukamuwisira pasi, ukamubvundisa zvikuru. Asi Jesu wakarayira mweya wakaipa, akaporesa mwana, akamudzosera kuna baba vake.