Luke 9:45 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi iʋo haʋana‐kunzwisisa kutaura uku; ʋakaŋga ʋakuʋanzirwa, kuti ʋarege kukunzwisisa; ʋakatya kumubvunza pamsoro pokutaura uku.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi havana kunzwisisa kuti zvairevei. Zvakanga zvakavanzika kwavari, naizvozvo havana kuzvibata, uye vakanga vachitya kumubvunza pamusoro pazvo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi ivo havana kuzvinzwisisa zvaakataura kwavari. Zvakanga zvakavanzwa kwavari kuti varege kuzvinzwisisa uye vaitya kumubvunza zvaaitaura izvi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi ivo havana kunzwisisa kutaura uku; vakanga vakuvanzirwa, kuti varege kukunzwisisa; vakatya kumubvunza pamusoro pokutaura uku.
Shona 2009?
Asi ivo havana kunzwisisa shoko iri, rakanga rakavanzika kwavari, kuti varege kurinzwisisa; vakatya kumubvunza pamusoro peshoko iri.
Shona SUB 2002 Bible
Asi ivo havana kunzwisisa kutaura uku; vakanga vakuvanzirwa, kuti varege kukunzwisisa; vakatya kumubvunza pamusoro pokutaura uku.