Luke 9:48 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
akati kwaʋari: Aninani unogamucira mŋana uyu muɗuku muzita raŋgu, unondigamucira ini, ʋuye aninani unondigamucira ini, unogamucira wakandituma; nokuti muɗuku kwamuri mose, ndiye mukuru.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo akati kwavari, “Ani naani anogamuchira mwana muduku uyu muzita rangu anondigamuchira; uye ani naani anondigamuchira, anogamuchira uyo akandituma. Nokuti muduku pakati penyu mose ndiye mukuru.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akati kwavari, “Ani naani anogamuchira mwana uyu muzita rangu anogamuchira ini uyewo ani naani anondigamuchira anogamuchirawo uyo akandituma nokuti uyo anenge ari muduku wokupedzisira pakati penyu mose ndiye mukuru iyeyo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
akati kwavari, “Ani naani anogamuchira mwana uyu muduku muzita rangu, anondigamuchira ini, uye ani naani anondigamuchira ini, anogamuchira akandituma; nokuti muduku kwamuri mose, ndiye mukuru.”
Shona 2009?
akati kwavari: Aninani unogamuchira mwana uyu muzita rangu, unogamuchira ini, uye ani nani unogamuchira ini unogamuchira wakandituma; nokuti uyo uri muduku pakati penyu mose, uchava mukuru.
Shona SUB 2002 Bible
akati kwavari, “Ani naani anogamuchira mwana uyu muduku muzita rangu, anondigamuchira ini, uye ani naani anondigamuchira ini, anogamuchira akandituma; nokuti muduku kwamuri mose, ndiye mukuru.”