Luke 9:49 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Johane akapindura, akati: Tenzi, taʋona munhu aciɓuɗisa mŋeya yakaipa muzita renyu, tikamudziʋisa, nokuti haateʋeri nesu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Johani akati, “Tenzi, takaona munhu achidzinga madhimoni muzita renyu uye tikaedza kumudzivisa, nokuti haazi mumwe wedu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Johani akadavirawo woti, “Tenzi takaona munhu achidzinga mweya yakaipa muzita renyu tikamurambidza nokuti haasi wenzira imwechete nesu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Johani akapindura, akati, “Tenzi, taona munhu achibudisa mweya yakaipa muzita renyu, tikamudzivisa, nokuti haateveri nesu.”
Shona 2009?
Johwani akapindura akati: Tenzi, tavona munhu achibudisa mweya yakaipa muzita renyu, tikamudzivisa, nokuti haateverani nesu.
Shona SUB 2002 Bible
Johani akapindura, akati, “Tenzi, taona munhu achibudisa mweya yakaipa muzita renyu, tikamudzivisa, nokuti haateveri nesu.”