Luke 9:51 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mazuʋa okukwidzwa kwake akati osweɗera, wakaramba akarinzira ciso cake kuenda Jerusarema,
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nguva yakati yasvika yokuti akwidzwe kudenga, Jesu akafunga zvokuenda kuJerusarema.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mazuva paakanga osvika okuti Jesu achikwidzwa kudenga, akananga kuJerusaremu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mazuva okukwidzwa kwake akati oswedera, akaramba akarinzira chiso chake kuenda Jerusaremu,
Shona 2009?
Zvino zvakaitika pakupera kwemazuva okukwidzwa kwake, kuti wakaramba akarinzira chiso chake kuenda Jerusarema,
Shona SUB 2002 Bible
Mazuva okukwidzwa kwake akati oswedera, akaramba akaratidza chiso chake kuenda Jerusaremu,