Luke 9:54 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋadzidzi ʋake, Jakobo naJohane, ʋakati ʋaciɀiʋona, ʋakati: Ishe, munoɗa kuti titi mŋoto uɓuruke kuɗeŋga, uʋaparadze here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vadzidzi Jakobho naJohani vakati vaona izvi, vakabvunza vakati, “Ishe, munoda here kuti tidane moto uburuke kubva kudenga kuti uvaparadze?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vadzidzi vake, vana Jemusi naJohani pavakazviona vakati, “Tenzi munoda here kuti titi moto utozomoke kudenga uvaroromese?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vadzidzi vake, Jakobho naJohani, vakati vachizviona, vakati, “Ishe, munoda kuti titi moto uburuke kudenga, uvaparadze here?”
Shona 2009?
Zvino vadzidzizi vake, Jakobho naJohwani, vakati vachi\add zvi\add*vona, vakati: Ishe, munoda kuti tiraire moto uburuke kubva kudenga, uvaparadze sezvakaitwa naEria here?
Shona SUB 2002 Bible
Vadzidzi vake, Jakobho naJohani, vakati vachizviona, vakati, “Ishe, munoda kuti titi moto uburuke kudenga, uvaparadze here?”