Luke 9:57 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋakati ʋacifamba munzira, mumŋe munhu akati kwaari: Ndicakuteʋerai pose pamunoenda.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakati vachifamba mumugwagwa, mumwe munhu akati, “Ndichakuteverai kwose kwamunoenda.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pavainge vachifamba nenzira, mumwe murume akati kwaari, “Ndinoda kukuteverai kose zvako kwamunoenda.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vakati vachifamba munzira, mumwe munhu akati kwaari, “Ndichakuteverai pose pamunoenda.”
Shona 2009?
Zvino zvakaitika pavaifamba munzira, mumwe wakati kwaari: Ishe, ndichakuteverai kupi zvako kwamunoenda.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vakati vachifamba munzira, mumwe munhu akati kwaari, “Ndichakuteverai pose pamunoenda.”