Luke 9:7 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Herode, muɓati, wakanzwa ɀose ɀakaŋga ɀiciitwa; akakaŋganiswa, nokuti ʋamŋe ʋakaŋga ʋaciti, Johane wakamuka kuʋakafa;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino Herodhi mubati akanzwa pamusoro pezvose zvakanga zvichiitika. Akakanganisika, nokuti vamwe vakanga vachiti Johani akanga amutswa kubva kuvakafa,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Herodhi mumwe wavatongi vana akanzwa zvose zvakanga zvaitwa zvakamupazanisa musoro nokuti zvainzi navamwe, ndiJohani akamutswa kuvakafa,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino ishe Herodhi, akanzwa zvose zvakanga zvichiitwa; akakanganiswa, nokuti vamwe vakanga vachiti, Johani akamuka kuvakafa;
Shona 2009?
Zvino Herodhe, mumwe wavatongi vana, wakanzwa pamusoro pezvinhu zvose zvakaitwa naye; akakanganiswa, nokuti zvainzi navamwe Johwani wakange amutswa kuvakafa;
Shona SUB 2002 Bible
Zvino ishe Herodhi, akanzwa zvose zvakanga zvichiitwa; akakanganiswa, nokuti vamwe vakanga vachiti, Johani akamuka kuvakafa;