Malachi 1:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Haiwa, ɗai kwaiʋa nomumŋe wenyu waizarira hake mikoʋa, kuti murege kuɓatidza mŋoto paartari yaŋgu pasina! Handikufaririyi imi — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo — handiŋgagamuciri camunondiʋigira namaʋoko enyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Haiwa, dai mumwe wenyu aipfiga mikova yetemberi, kuitira kuti murege kubatidza moto isina maturo paaritari yangu! Handifadzwi nemi,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, “uye handingagamuchiri zvipiriso zvinobva mumaoko enyu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Dai zvazvo pane mumwe pakati penyu anopfiga zvake misuo kuti imi murege kubatidza moto paatari yangu zvisina maturo! Handichakufarirai. Ndizvo zviri kutaura TENZI wehondo nehondo uye handichambogamuchira mupiro wamunopira imi namaoko enyu
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Aiwa, dai kwaiva nomumwe wenyu waizarira hake mikova, kuti murege kubatidza moto paatari yangu pasina! Handikufaririyi imi ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo handingagamuchiri chamunondivigira namaoko enyu.
Shona 2009?
Aiwa, dai kwaiva nomumwe wenyu waizarira hake mikova, kuti murege kubatidza moto paatari yangu pasina! Handikufaririyi imwi ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo handingagamuchiri chamunondivigira namaoko enyu.
Shona SUB 2002 Bible
Aiwa, dai kwaiva nomumwe wenyu waizarira hake mikova, kuti murege kubatidza moto paatari yangu pasina! Handikufaririyi imi ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo handingagamuchiri chamunondivigira namaoko enyu.