Malachi 1:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti kubva pakuɓuɗa kwezuʋa kuȿikira pakuʋira kwaro zita raŋgu ricakudzwa pakati paʋahedeni; pose‐pose ɀinonhuwira ɀicaʋigirwa zita raŋgu, ʋuye cipiriso cisinetȿina; nokuti zita raŋgu ricakudzwa pakati paʋahedeni — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zita rangu richava guru pakati pendudzi, kubva kumabvazuva kusvikira kumavirira. Zvinonhuwira nezvipiriso zvitsvene zvichauyiswa kuzita rangu munzvimbo dzose, nokuti zita rangu richava guru pakati pendudzi,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nokuti kubvira kunobuda zuva kudzamara kwarinodokera zita rangu iguru pakati pemarudzi uye munzvimbo dzose rusenzi runopirwa kuzita rangu pamwechete nemipiro mitsvene nokuti zita rangu, izita guru mukati memarudzi. Ndizvo zviri kutaura TENZI wehondo nehondo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti kubva pakubuda kwezuva kusvikira pakuvira kwaro zita rangu richakudzwa pakati pavahedheni; pose-pose zvinonhuwira zvichavigirwa zita rangu, uye chipiriso chisina tsvina; nokuti zita rangu richakudzwa pakati pavahedheni ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
Shona 2009?
Nokuti kubva pakubuda kwezuva kusvikira pakuvira kwaro zita rangu richakudzwa pakati pavahedheni; pose-pose zvinonhuhwira zvichavigirwa zita rangu, uye chipiriso chisina tsvina; nokuti zita rangu richakudzwa pakati pavahedheni ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti kubva pakubuda kwezuva kusvikira pakuvira kwaro zita rangu richakudzwa pakati pavahedheni; pose pose zvinonhuwira zvichavigirwa zita rangu, uye chipiriso chisina tsvina; nokuti zita rangu richakudzwa pakati pavahedheni ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.