Malachi 1:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Munoti ʋo: Tarirai ɀinonetsa sei! Maɀishoʋora — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo; makandiʋigira ɀakapambga, neɀinokamhina, neɀinorwara; ndiɀo ɀamunondiʋigira cipiriso; ɀino ndiŋgaɀigamucira pamaʋoko enyu here? — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye munoti, ‘Zvinorema sei!’ uye munoifembedza muchiizvidza,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. “Pamunouyisa zvipfuwo zvakakuvara, zvakaremara kana zvinorwara kuzozvipa sezvibayiro, ndingazvigamuchira kubva pamaoko enyu here?” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Munototi zvenyu, ‘Haiwaiwa zvinonetsa izvi,’ izvozvo muchitondifinyamisira mhuno imi. Ndizvo zviri kutaura TENZI wehondo nehondo. Munounzaka imi zvinhu zvakatorerwa vanhu nechisimba kana zvakaremara kana zvinorwara ndozvamunouya nazvo somupiro wenyu? Ini ndigamuchire zvakadaro kwamuri here ini? Ndizvo zviri kutaura Tenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Munotiwo, ‘Tarirai zvinonetsa sei!’ Mazvishora ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo; makandivigira zvakapambwa, nezvinokamhina, nezvinorwara; ndizvo zvamunondivigira chipiriso; zvino ndingazvigamuchira pamaoko enyu here? Ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shona 2009?
Munotiwo, `Tarirai zvinonetsa sei! ' Mazvishora ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo; makandivigira zvakapambwa, nezvinokamhina, nezvinorwara; ndizvo zvamunondivigira chipiriso; zvino ndingazvigamuchira pamaoko enyu here? Ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shona SUB 2002 Bible
Munotiwo, ‘Tarirai zvinonetsa sei!’ Mazvishora ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo; makandivigira zvakapambwa, nezvinokamhina, nezvinorwara; ndizvo zvamunondivigira chipiriso; zvino ndingazvigamuchira pamaoko enyu here? Ndizvo zvinotaura Jehovha.