Malachi 1:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi munyeŋgeri ŋgaatukwe unegondobge pakati pamakwai ake, ndokupika nokuɓayira Ishe cinhu cakaremara; nokuti ndiri Mambo mukuru — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo — zita raŋgu rinotyisa pakati paʋahedeni.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ngaatukwe munyengeri ane gondohwe rakanaka pakati pamakwai ake, anopika kuti acharipa, asi agobayira chipfuwo chine chakaipa pachiri kuna Ishe. Nokuti ndiri mambo mukuru,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, “uye zita rangu rinofanira kutyiwa pakati pendudzi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ngaawirwe norushambwa munyengedzi ane chipfuwo chikono mudanga make chaanoti iye atsidza kuzochipira pidigu opira kuna Tenzi chibayiro chinoshoreka nokuti ini ndiri Mambo mukuru ini. Ndizvo zviri kutaura Tenzi wehondo nehondo, uye zita rangu rinotyiwa mukati memarudzi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi munyengeri ngaatukwe ane gondohwe pakati pamakwai ake, ndokupika nokubayira Ishe chinhu chakaremara; nokuti ndiri Mambo mukuru ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo zita rangu rinotyisa pakati pavahedheni.
Shona 2009?
Asi munyengeri ngaatukwe ane gondobwe pakati pamakwai ake, ndokupika nokubayira Ishe chinhu chakaremara; nokuti ndiri Mambo mukuru ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo zita rangu rinotyisa pakati pavahedheni.
Shona SUB 2002 Bible
Asi munyengeri ngaatukwe ane gondohwe pakati pamakwai ake, ndokupika nokubayira Ishe chinhu chakaremara; nokuti ndiri Mambo mukuru ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo zita rangu rinotyisa pakati pavahedheni.